Revelation of John 5

Gwayana rinozarura bhuku

1Zvino ndakaona muruoko rwerudyi rwaiye wakange agere pachigaro cheushe bhuku rakanyorwa mukati nekunze, rakanamatidzwa nemicherechedzo minomwe. 2Zvino ndakaona mutumwa ane simba achidanidzira nenzwi guru; achiti: Ndiani wakafanira kuzarura bhuku nekusunungura micherechedzo yaro? 3Asi kwakange kusina munhu kudenga kana panyika, kana pasi penyika, wakagona kuzarura bhuku, kana kuritarira. 4Zvino ini ndakachema zvikuru, nokuti hakuna kutongowanikwa wakafanira kuzarura nekuverenga bhuku, kana kuritarira. 5Zvino umwe wevakuru wakati kwandiri: Usachema; tarira, yakunda Shumba inobva kurudzi rwaJudha, Mudzi waDhavhidhi, kuti izarure bhuku nekusunungura micherechedzo yaro minomwe. 6Zvino ndakaona, uye tarira, pakati pechigaro cheushe nechezvisikwa zvipenyu zvina, nepakati pevakuru, Gwayana rimire serakabaiwa, rine nyanga nomwe nemeso manomwe, ndiyo Mweya minomwe yaMwari yakatumwa kunyika yese. 7Zvino rakauya, rikatora bhuku kubva muruoko rwerudyi rwaiye wakagara pachigaro cheushe. 8Zvino rakati ratora bhuku, zvisikwa zvipenyu zvina nevakuru makumi maviri nevana vakawira pamberi peGwayana, umwe neumwe ane rudimbwa nendiro dzegoridhe dzizere nezvinonhuhwira inova minyengetero yevatsvene. 9Zvino vakaimba rwiyo rutsva, vachiti: Makafanira kutora bhuku, nekuzarura micherechedzo yaro; nokuti makabaiwa, ndokutidzikunurira Mwari neropa renyu kubva kudzinza rese, nekururimi, nekuvanhu, nekurudzi, 10makatiitawo kuna Mwari wedu tive madzimambo nevapristi, uye tichatonga panyika. 11Zvino ndakaona, uye ndakanzwa inzwi revatumwa vazhinji vakakomberedza chigaro cheushe, nezvisikwa zvipenyu nevakuru; nekuwanda kwazvo kwakange kuri mazana nemazana emazana nemazana, nezvuru zvezvuru, 12vachiti nenzwi guru: Rakafanira Gwayana rakabaiwa kugamuchira simba neufumi nenjere nemasimba nerukudzo nekubwinya nekurumbidzwa. 13Nechisikwa chega-chega chiri kudenga, nepanyika, nepasi penyika, nezviri pagungwa nezvese zviri mazviri, ndakanzwa zvichiti: Kuna iye agere pamusoro pechigaro cheushe nekuGwayana ngakuve nekurumbidzwa, nerukudzo, nekubwinya, nesimba kusvikira rinhi narinhi. 14Zvino zvisikwa zvipenyu zvina zvakati: Ameni. Nevakuru makumi maviri nevana vakawa, vakanamata iye anorarama kusvika rinhi narinhi.

Copyright information for Shona